BHUKU ROKUTANGA RAMOSESI RINONZI
GENESI
1
Kusikwa kwezvose
1 Pakutanga Mwari akasika denga
nenyika. ^Nyika yakanga isina ku-
gadzirwa, isina chinhu; rima rakanga
riripo pamusoro pemvura yakadzika;
Mweya waMwari wakanga uchigarira
pamusoro pemvura. ^ Mwari akati: Chi-
edza ngachivepo, chiedza chikavapo.
4 Mwari akaona chiedza, kuti chakana-
ka; Mwari akaparadzanisa chiedza neri-
ma. 5 Mwari akatumidza chiedza, akati
Masikati, nerima akaritumidza akati
Usiku. Madeko akavapo, namangwana-
ni akavapo, zuva rimwe.
6 Mwari akati: Nzvimbo ngaivepo
pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura
nemvura. ^ Mwari akaita nzvimbo, aka-
paradzanisa mvura yakanga iri pasi pe-
nzvimbo, nemvura yakanga iri pamusoro
penzvimbo; zvikaita saizvozvo. « Mwari
akatumidza nzvimbo, akati Denga. Ma-
deko akavapo, namangwanani akavapo,
zuva repiri.
9 Mwari akati: Mvura iri pasi pede-
nga ngaiungane pamwechete, kuti pasi
pakaoma paonekwe; zvikaita saizvozvo.
i^* Mwari akatumidza pasi pakaoma, akati
Nyika; nemvura yakaungana akaitumi-
dza, akati Makungwa; Mwari akaona kuti
zvakanaka. ^ Mwari akati: Nyika ngaime-
rese uswa nemiriwo inobereka mbeu,
nemiti inobereka michero inamarudzi
ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo,
panyika; zvikaita saizvozvo. 12 Nyika ika-
meresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu
dzinamarudzi adzo, nemiti inobereka
michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo,
inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti
zvakanaka. i^ Madeko akavapo nama-
ngwanani akavapo zuva retatu.
14 Mwari akati: Zviedza ngazvive-
po panzvimbo yedenga, kuti zvipara-
dzanise masikati nousiku; kuti zvive
zviratidzo, nenguva, namazuva, nama-
kore; i^ ngazvive zviedza panzvimbo
yedenga, kuti zvivhenekere panyika;
zvikaita saizvozvo. ^^ Mwari akaita zvi-
edza zvikuru zviviri; chiedza chikuru
kuti chibate ushe masikati, nechiedza
chiduku, kuti chibate ushe usiku, ne-
nyeredziwo. i^ Mwari akazviisa pasi
penzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere
panyika, ^^zvibate ushe masikati nou-
siku, nokuparadzanisa chiedza nerima;
Mwari akaona kuti zvakanaka. i' Ma-
deko akavapo, namangwanani akava-
po, zuva rechina.
20 Mwari akati: Mvura ngaizare ne-
zvipenyu zvizhinji, neshiri dzibhururuke
pamusoro penyika munzvimbo yedenga.
21 Mwari akasika mhuka huru dzegu-
ngwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira,
izvo mvura yakanga izere nazvo, zvina-
marudzi azvo, neshiri dzose dzinamapa-
piro, dzinamarudzi adzo; Mwari akaona
kuti zvakanaka. 22 Mwari akazviropafa-
dza, akati: Berekai, muwande, muzadze
mvura iri mumakungwa; neshiri ngadzi-
wande panyika. 23 Madeko akavapo, na-
mangwanani akavapo, zuva reshanu.
24 Mwari akati: Nyika ngaibereke
zvipenyu zvinamarudzi azvo, nezvipfu-
wo, nezvinokambaira, nemhuka dzenyi-
ka, zvinamarudzi azvo; zvikaita saizvo-
zvo. 25 Mwari akaita mhuka dzenyika
dzinamarudzi adzo, nezvipfuwo zvina-
marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinoka-
mbaira panyika zvinamarudzi azvo;
Mwari akaona kuti zvakanaka.
26 Mwari akati: Ngatiite munhu no-
mufananidzo wedu, akafanana nesu;
ngaave nesimba pamusoro pehove dze-
gungwa, napamusoro peshiri dzedenga,
napamusoro pezvipfuwo, napamusoro
penyika yose, napamusoro pezvipenyu
zvose zvinokambaira panyika. 27 Mwari
akasika munhu nomufananidzo wa-
Mwari; akavasika murume nomukadzi.
28 Mwari akavaropafadza, Mwari akati
kwavari: Berekai, muwande, muzadze
nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba
pamusoro pehove dzegungwa, napamu-
soro peshiri dzedenga, napamusoro pe-
zvipenyu zvose zvinokambaira panyika.
29 Mwari akati: Tarirai, ndakakupai mi-
riwo yose inobereka mbeu, iri panyika
yose, nemiti yose ine michero yemiti
inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya
zvenyu. ^^ Mhuka dzose dzenyika, neshi-
ri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose
1
GENESI 1 - 3
zvinokambaira panyika, zvinemweya
woupenyu, ndakazvipa miriwo yose mi-
nyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvi-
kaita saizvozvo. ^iMwari akaona zvose
zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Ma-
deko akavapo, namangwanani akavapo,
zuva retanhatu.
21 Denga nenyika zvikapera saizvo-
zvo, nouzhinji hwazvo. ^ Mwari aka-
pedza basa rake raakaita nomusi wechi-
nomwe; akazorora nomusi wechinomwe
pabasa rake rose raakaita. ^ Mwari
akaropafadza musi wechinomwe, akau-
ita mutsvene; nokuti akazorora nawo
pabasa rake rose, raakanga asika noku-
ita iye Mwari.
Kusikwa kwavanhu vokutanga
nokuiswa kwavo muEdheni
4 Ndiko kuvamba kwedenga nenyika,
musi wazvakasikwa: Nezuva iroro Jeho-
vha Mwari raakasika naro nyika nedenga,
^makwenzi esango akanga achigere kuva-
po panyika, nemiriwo yesango yakanga
ichigere kumera; nokuti Jehovha Mwari
akanga asati anaisa mvura panyika, uye
kwakanga kusina munhu kuzorima pasi;
*^asi mhute yaisikwira ichibva panyika
ichinyorevesa nyika yose.
7 Jehovha Mwari akaumba munhu
neguruva revhu, akafuridzira mweya
woupenyu mumhino dzake; munhu aka-
va mweya mupenyu.
8 Jehovha Mwari akasima munda
muEdheni, kumabvazuva, akaisapo mu-
nhu aakanga aumba. ''Jehovha Mwari
akameresa pasi miti yose inofadza meso,
neyakanaka kudya; uye muti woupenyu
pakati pomunda, nomuti wokuziva zvaka-
naka nezvakaipa.i« MuEdheni mukabuda
rwizi kuzodiridza munda uyo, rukapara-
dzana ipapo, dzikaita hova ina. i^Zita
rorwokutanga ndiPishoni; ndirwo runopo-
teredza nyika yose yeHavhira, pane nda-
rama ipapo; ^^ndarama yenyika iyoyo
yakanaka; uyewo pane dheriumu nebwe
reonikisi. "Zita rorwizi rwechipiri ndiGi-
honi; ndirwo runopoteredza nyika yose
yeKushi. i^Zita rorwizi rwechitatu ndiHe-
dhekeri, ndirwo runoyerera kumabvazuva
kweAsiria. Rwizi nvechina ndiYufuratesi.
15 Jehovha Mwari akatora munhu,
akamuisa mumunda weEdheni, kuti
aurime nokuuchengeta. ^^ Jehovha
Mwari akaraira munhu achiti, "Unga-
dya hako miti yose yomunda, i"^ asi
muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa
usaudya; nokuti nomusi waunoudya,
uchafa zviro kwazvo."
18 Jehovha Mwari akatizve, "Hazvi-
na kunaka kuti munhu agare ari woga;
ndichamuitira mubatsiri akamukwani-
ra." I'* Jehovha Mwari akaumba nevhu
mhuka dzose dzesango, neshiri dzose
dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone
kuti achadzitumidza mazita api; zvipe-
nyu zvose sezvazvakatumidzwa nomu-
nhu, ndiwo akava mazita azvo. ^o Munhu
akatumidza zvipfuwo zvose mazita, ne-
shiri dzedenga, nemhuka dzose dzesa-
ngo; asi kwakashaikwa mubatsiri aka-
mukwanira iye munhu.
21 Ipapo Jehovha Mwari akavatisa
munhu hope huru, akavata; akatora
rumbabvu rwake rumwe, akadzivira
nyama panzvimbo yarwo. 22Norumba-
bvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora
pamunhu, akaita mukadzi narwo, aka-
muisa kumunhu.
23 Munhu akati, "Zvino uyu ipfupa
ramapfupa angu, nenyama yenyama
yangu, uchatumidzwa Mukadzi, nokuti
wakabviswa paMurume."
24 Naizvozvo munhu anofanira kusiya
baba vake namai vake, anamatire muka-
dzi wake, vave nyama imwe. ^svose vari
vaviri vakanga vasina kusimira, munhu
nomukadzi wake, asi havana kunyara.
Kuedzwa nokusateerera
kwavanhu vokutanga
3 1 Zvino nyoka yakanga ina mano
kupfuura mhuka dzose dzesango
dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari,
Ikati kumukadzi, "Nhai, ndizvo here
kuti Mwari akati, 'Regai kudya miti
yose yomunda?' "
2 Mukadzi akati kunyoka, "Tingadya
hedu michero yemiti pamunda, ^asi
kana iri michero yomuti uri pakati
pomunda, Mwari akati, 'Regai kuudya,
kana kuubata, kuti murege kufa.' "
4 Nyoka ikati kumukadzi, "Hamunga-
fi zviro kwazvo, ^ nokuti Mwari anoziva
kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso
enyu achasvinudzwa, mukava saMwari,
muchiziva zvakanaka nezvakaipa."
6 Zvino mukadzi akati achiona kuti
muti wakanaka kudyiwa, uye kuti uno-
fadza meso, uye kuti muti unodikanwa
kungwadza munhu, akatora muchero
yawo, akadya, akapawo murume wake.
GENESI 3-4
akadya naiyewo. Upapo meso avo, ivo
vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti ha-
vana kusimira; vakasonanidza mashizha
omuonde, vakazviitira nguo. » Vakanzwa
izwi raJehovha Mwari achifamba mu-
munda kwotonhorera madekwana, mu-
nhu nomukadzi wake ndokundohwanda
pamberi paJehovha Mwari pakati pemi-
ti yomunda. ^Jehovha Mwari akadana
munhu, akati kwaari, "Uripiko?"
10 lye akati, "Ndakanzwa izwi renyu
mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga
ndisina kusimira, ndikahwanda."
11 lye akati, "Ndianiko akakuudza
kuti hauna kusimira? Wakadya kani muti
wandakakuraira kuti urege kuudya?"
12 Munhu akati, "Mukadzi wamaka-
ndipa kuti ave neni, ndiye wakandipa
zvomuti ndikadya."
ISJehovha Mwari akati kumukadzi,
"Chiiko icho chawakaita?" Mukadzi aka-
ti, "Nyoka yakandinyengera, ndikadya."
i^Jehovha Mwari akati kunyoka, "Zva-
waita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka
dzose dzesango; uchafamba nedumbu
rako, uchadya guruva mazuva ose oupe-
nyu hwako. i^Ndichaisa ruvengo pakati
pako nomukadzi, napakati porudzi rwa-
ko norudzi rwake, irwo rwuchapwanya
musoro wako, newe uchapwanya chitsi-
tsinho charwo."
16 Kumukadzi akati, "Ndichawanza
zvikuru kurwadziwa kwako nokutora
mimba kwako, uchabereka vana uchi-
rwadziwa; kuda kwako kuchava kumu-
rume wako, iye achava ishe wako."
ITKumunhu akati, "Zvawakateerera
izwi romukadzi wako, ukadya muti wa-
ndakakuraira ndichiti, 'Usaudya, zvino
nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya
zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva
ose oupenyu hwako; i^ichakuberekera
minzwa norukato, iwe uchadya miriwo
yomusango; i'* uchadya zvokudya zvako
neziya rechiso chako kusvikira wadzokera
kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri
guruva, uchadzokerazve kuguruva.' "
20 Munhu akatumidza mukadzi wa-
ke zita rinonzi Evha; nokuti ndiye mai
vavapenyu vose. ^i Jehovha Mwari aka-
itira munhu nomukadzi wake nguo
dzamatehwe, akavafukidza nadzo.
22 Zvino Jehovha Mwari akati, "Ta-
rirai, munhu ava somumwe wedu zvaa-
noziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvi-
mwe angatambanudza ruoko rwake
akatorawo zvomuti woupenyu, akadya,
akararama nokusingaperi." ^sNaizvozvo
Jehovha Mwari akamubudisa mumunda
weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa
kwariri. 24Naizvozvo akadzinga munhu,
akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazu-
va rwomunda weEdheni, nomurazvo
womunondo waimonereka kumativi ose,
kurindira nzira yomuti woupenyu.
Published by
The Bible Society of Zimbabwe
P.O. Box 1081
HARARE, Zimbabwe
©The Bible Society of Zimbabwe, 1995
First published in 1995
ISBN 0-7974-1013-9
SHONA BIBLE N052 UBS-EPF 15M 1995